Muchaneta Mushonga, ane makore makumi mana nemasere(48) wekwaZhangira kwaSeke mudzimai akazvimirira panyaya dzeupfumi. Anoti anobatsirwa neboka reSelf Help Development Foundation, SHDF kuburikidza nemukando nemastudy cycle.
Mai Mushonga vanoti,“Ndinowana ruzivo rwezvekurima kubva kuboka reSHDF kuburikidza nemaStudy Circle nemukando. Ndinochengeta huku, mombe nembuzi nekurima mbesa. Ndinokohwa pakuru gore negore nekuti ndinodzidza kubva kuSHDF.”
Chikomborero Gutsa
Makore apfuura, Chikomborero Gutsa, mudzimai ane makore makumi mana nemanomwe (47) akaroorwa ane vana vatanhatu, akaruka zano rekuita naro mari iri muzita rake semunhukadzi asi ichizobatsira mhuri yake.
Mai Gutsa vakabatsirwa neboka reSelf Help Development Fund, (SHDF). Sangano reSHDF raive nenyanzvi pakuronga-ronga nyaya dzekugadzira mari kuburikidza nemaSavings club kana mikando.
“VeSHDF vakandidzidzisa kuchengeta mari nekuita mabasa emaoko. Ndiri kugadzira upfu hwebota, uho ndinogadzira nechibage, mhunga, mupunga, nzungu nesoya beans. Bota iri rinodiwa zvikuru munyika nekunze, asi pane dambudziko. Upfu uhu hunofanira kuongororwa nevebazi reMinistry of Health asi zvinoda mari. Kuri kudiwa $250, ndikaibhadhara zvinondivhurira mukana wekuita hupfumi.”