Dzandura village projects: Renita Masvaya

Renita Masvaya ane makore makumi matatu nemasere, 38 anogara kwaDzandura, kwaSeke kuMashonaland East ari kuchengeta huku nembudzi.  Akapinda muboka reSelf Help Development Foundation, SHDF munaKukadzi gore rakapera.

Anoti boka iri rakamubatsira nekuti  iye inhengo izere yaibatikana nehurongwa. Akabetserwa nezvidzidzo zveupfumi nekurongeka zvaiitiswa neSHDF. Akakwanisa kuchengeta mari nekuibvisa mumumukando ichiwanda. “Ndakatanga ndichichengeta pondo pavhiki ndichiwana $8 mukupera kwemwedzi. Handina kumbovenepfungwa dzekusiya mukando, ndakaramba ndichichengeta mari kusvikira ndatenga mbudzi yangu hadzi ne$30. Mbudzi yakabereka, dzikawanda kusvika ndatove nembudzi nomwe mudanga. Ndinochengetawo huku dzemazai ”

Bhizimisi rake rehuku ririkukura. Anoshandisa mari yaanowana kubhadharira vana vake kuchikoro nekuchengeta mhuri yake. “Kuita basa rangu rekundiunzira hupfumi kwandibatsira kuti ndiwane kuzvimiririra panyaya dzehupfumi sezvo ndavakukwanisa kubhadharira vana vangu chikoro ndisingamiriri murume wangu. Handichangomiriri murume wangu uyo anodada neni, kuti akaroora mukadzi chaiye."

Masvaya, mai wevana vatatu ari kuda kutanga kuchengeta mombe dzake dzinotsika.

;